Vanano

Unaona!
Kusenga bere nerichadya mbudzi,
Havagoni kutsindika hana, yarema!
Chavanoziva kuswerofukura hapwa,
Kuti kwedu hapana chavanokwanisa,
Havashandi saka tararira mbwirembwire.

Pedze pindu, zvonzi hauchavimbi neni!
Ndingakupa rimwe soko, une idi shuwa?
Usweronditaura mumamana matigere,
Kuburitsa zvakavanzika kuhama dzenhema,
Neshamwari dzekutenga neyangu mari,
Kumbeya rwangu ruwanze dzinotsvagei?

Zvaunoziva ndizvozvo, zvakakwana!
Iwe haunyariwo kungotaura zvekwako,
Pasina musi wavakambonzwa zvekwavo?
Unoti kwavo hakuna matambudziko?
Vanotokuseka kana vachangoti pote,
Zita rako kutorisevesa sadza kwavo.

“Simbe, haavachiri kana kubikira murume,
Zvese nepabonde mumba yekurara, haadike,
Pfende, kutsvaira mumba rorova nhongonya,
Kumuti chienda kubasa azvimirire ega, haadi,
Hama dzonzi musashanda, wekwake ane mari,
Zororo hatina ongotidana nepakati peusiku!”

Vekumhanya kutsvaga mugaranhaka,
Ndivava, wangu mutumbi uchadziya ropa!
Zvaunongoshoropodza zvaitwa nevamwe,
Pasina zvitsvene zvationa panewe nhandi?
Zvomoita kunga bete ravira mumukaka,
Madii maita imimi zvinobvira?

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*