Varume ndevamwe

Havana zvizhinji zvinovanetsa,
Kupinda vovana zvavanoda vobuda,
Vakapakata papfudzi sahombarume,
Kwete kusvorotenderera nhando,
Takabva neko kumhunga hakuna’pwa.

Panotsva ndebvu kudzimurana,
Pasina kubvunzana twakavanda,
Afirwa agara haaringwi kumeso,
Hazvinei kushaya kana kuwana,
Maoko kuwanda kutsonza ndima.

Kumba kusvika pwere dzorota,
Ungazopfuurwa nemafaro uwete,
Warara aenda nemuromo wake,
Kubasa womukira mashambanzou,
Kunaka kwehope hakuna ndima.

Kana ihwo hwukamasahwira,
Hungori paganda, haunyanyodzika,
Chero, akuruma nzeve ndewako,
Kungoitira kuti hwahwa hutapire,
Kuvaraidzana, kusesedza nguva.

Zvanzi bhururu venyu ari panze,
Hongu, ini ndogutsurira musoro,
Tatamba makore anokwana mashanu,
Kudya pamwe gango nejenamuponesi,
Asi nezita rake nanhasi handirizivi!

Yagara inongowa mukoma-mudhara,
Ha-a, hamuite mukoma makapenga,
Paushamwari hwedu tichikwenyana,
Heyi, mudhara muri kumberi mhani,
Kure uko, sechigaro chamufundisi!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*