Ndashuwa kuyaruka

Motomuka hwandambe zhizha rino,
Zvakwakanaya, sunga maviri bedzi,
Uyu osungawo maviri madhonza,
Iwe pamberi kutara mitsetse yembeu,
Uyu otevera mushure meanokandira.

Parinopisa rerudziyakamwe,
Kumurai pamwe, mudzizorodze,
Imi mogara mubvute remuMango,
Mai vanouya neputugadzike hobvu,
Nechaenga chizere mutakura.

Modzoka kumunda mosadharara,
Moimba tsotsa kurerutsa ndima,
Usingazivi manzwi imbira mumoyo,
Ndaona twana twepapapo kukoma,
Twabvira kare kumhanya nebani.

Mai vogunun’una, vana misikanzwa,
Kubva nhasi hapadyivi rinopisa,
Mukadzi mukuru neshamhu mushure,
Vapinda pfumvu kutukutira ruzhova,
Toseka zvedu nhamo kunga rugare!

Ivo vakomana zvino havadzoki?
Zvavasoenda kare ruzambirambira,
Kuchiri kukokorodza mombe kwega?
Kune mapere, hazvidi kusvipirwa,
Mai hana yaramba kugadzikana!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*