Usamuchenjedza

Kwedu zasi kunyoro,
Kubaya kudzika chaiko,
Vamwe takakomborerwa,
Topinza Mwari pakati!

Kubva kupusa kuri paviri,
Akabatwa nechahwihwi,
Anoona kwaabva sekure,
Asi akananga kwaakabva!

Urombo unozvikoka sehope,
Zvinonzi akakotsira haarohwi!
Iye anorara akatsamira ruoko,
Musiye, ungamuchenjedza.

Agara achichiwa zvevamwe,
Vanozvishandira simba ravo,
Zvino voswerodya nyika rutivi,
Kutsengera zvinovavira munyu.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*