Kutonhodzwa kwaChavukura

Takabvira kare kureva sedimikira,
Hamuigoni nyika musaivhundukira,
Haidyiwe zvemumhanya inozvimbira,
Musaijairire mangamanga ibhindura,
Imi pachenyu ndimi makaivundura,
Zvose zvakanaka mobvumbatira,
Zvakaipa kune vamwe mosundira,
Nhamo pane imwe matsukutira,
Ruzhinji mofudza negotsi kufuratira,
Zvino rwatsamwa rwave kumufungira,
Kusiri kufa ndekupi, rwatozvipira,
Yomotonga nedemo yomupfukira,
Matateguru zvino omumukira,
Vavona misodzi yevana kunyakatira,
Avo matumbu nenzara kukwatamira,
Kana magan’a voita kuvhundikira,
Imi mafufu muchiita zvekukandira,
Muchando honayi zvino modikitira,
Semango, makura motanga kutsvukira,
Iko kuhondo makaenda kabisira,
Venyu vana tichanzwa votanga vovukura,
Baba vakaenda kuhondo vakatisiira,
Haisi yenyu mega, hata regai kukungira,
Tipei mukana muone nyika kusimukira,
Muchapa kutenda moita kugwadamira,
Tasvika isu vechidiki, fundukira!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*