Batai mapfumo (Ziva pekuisa X)

Zvavauya kudai hapachina chakanaka,
Rufu urwu, ihondo iyi,
Kukurirwa kana kukunda uku,
Batai mapfumo varume.

Chauya chauya hama,
Kusiri kufa ndekupi?,
Tagara muvhu ndomedu,
Batai mapfumo tione.

Hatingabati kumeso sevana wemakudo,
Tingangotya nerakapinda nyoka,
Yakabika mabwe ikaseva muto yekwaChivi,
Zviedzwa zvinhu ngatiedzei,
Hama batai mapfumo.

Hapana chatingagarira apa,
Kungotarisa setinoyevedzwa,
Tingayuvira tikanzwikwa naani?,
Chivimbo chawo misodzi yedu,
Hama dzinofa batai mapfumo.

Tingatiza tikasvikepi?,
Tichitiza misha tichiti tinoendepi?,
Misha nepfuma yedu tosiira ani?,
Akafa mangani asi anei makunguwo?,
Hatingafuratiri hama batai mapfumo.

Tongopereka zvose tosara nei?,
Topemha isu tichipereka!,
Kufira musango seshiri?,
Ndodyiwa nemakava sendisina hama,
Haapisi batai mapfumo.

Moyo padombo hama,
Kuzvipira isimbaradzo huru,
Kutenda mauri chombo chikuru,
Unotumbura kwete kutumburwa,
Batai mapfumo titumbure mhandu.

NaTafadzwa G Madhina

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*