Paivepo (Mukoma Tuku)

images

Vanhu ava vakasuruvara
Vari pano vakagumbuka
Ruzhinji runotamba nhova
Nemisodzi pamatama
Chiiko chikonzero?

Ndotangira poi?
Ndipeiwo zano,
Ndoita madiro?
Yakanaka Samanyanga,
Pamusoroi Changamire,
Pamusoroi Mhanduwe,
Kapfuko kari pano ndekezvirango,
Ndezvepaukama,
Paivepo…

Tuvana twepapapo kukoma,
Kushaya mwana, ndichatuma aniko?
Ko imi makaitei, kuramba mwana?
Makorokoto makabereka mukachengeta,
Rudzi rweTsoko rune rushambwa,
Murombo haarowi chine nguo,
Kubara mwana anenge rombe,
Kuwe nhapwa ndiri pamusha pangu,
Ndakatsika rukuvhute rwavasekuru vangu,
Ndiri mugwenga, pasi rino randituka.

Kupedza nguva kutsvaga muroyi muvatorwa,
Cheuka ziso nepabendekete,
Sahwira vako ndiye anoruma achifuridzira,
Zizi munomunzvengei ndiye anofamba usiku?
Haiva mapedzana pachenyu,
Ini mutorwa mondivengerei?
Gudo musarizonda, gudo haridye usiku,
Mhandu yemunhu munhu!

Kamoto kamberewere kupisa musha,
Usamirira kuti riwe rimi kuti uti moto,
Ukaba unosungwa, ukachiwa uchaba, wawona!
Paidamoyo vavabereki, watiparanga umbavha,
Mai woshushikana mwana rawe gororo,
Hupfumi hwosara mumukombe,
Ndaiti chichatoredzera vakuru vacho,
Ndichiti mangwana tichabopawo,
Nzungu imwe yakaora, inoodza dama rese,
Kungofumuka kwemumwe, vedzinza vazara!

Huchenjeri hwawanda, yangova mvongamvonga,
Ipa mukana wekuteerera zvinotaurawo vamwe,
Worega kuropodza zvisina maturo,
Wepasa mazano, wevamwe tore shandise,
Wako wekubereka, iye tambi sendeke,
Unoiwanepi mhinduro pasina mubvunzo?
Iko kufanopindura uri kuvhareiko?
Ndiwe here mwana wekubereka!
Kumisidzana neni baba zvibhakera,
Simba rese raunaro rakabva muneni,
Kuvhiya chidembo umire kumhepo,
Vakurumidza kumedza kutsenga uchada,
Mandikurumidze akabara mandinonoke,
Tanga waongorora usati watsika remberi,
Imwe nhamo unozviparira wega!

Rwendo runo mhosva yandakapara kuna amai,
Ndoiripa neiko, imombe here yamunoda?
Ndomupasa mari aramba, weti anoda ropa,
Ukapa chigumbu kunamai, unonopunyaira chete!
Kana kune vakafa, zvipoko zvinongopunyaira wani,
Ndagura ndapfidza amai, kutanda botso handichada,
Hunhu hwangu ndakarasa, motongondiraya patsva.

Kwatinobva mwanangu, tinokwira gomo!
Ungabudirira seiko, uchisema zvedzinza rako?
Nyakuchiwa zvevamwe, cheka ukama haiite,
Kusvikira rini tichinyara mibvuri yedu?
Zvaingori tsika nditsike nemumvura mese,
Pembedza rurimi pwere dzigoyemura!

Nhamo dzandimomotera,
Ndangariro dzacho maodzamwoyo,
Ndingaite ripi zano, ndiwane rugare iwe?
Vakafa vakazorora mambo pane rino pasi,
Shungu dzinoti ndini ndega ndine nhamo,
Nyamba kwete takawanda, unenge paneni,
Zvangu zvazara jecha, chabatwa neni ziso dzvoko!
Gunguwo rakapona nekukwara-kwara,
Gondo rashaya ndiro rine shungu,
Rinokumba chero marara.

Baba namai, teererai munzwe, yorire ngoma,
Mhakwa nehosho zvopindirana,
Shaura Tuku shaura!
Ndoshereketa mudariro amai, huyai mundione,
Mwana wenyu ishasha, shasha chaiyo,
Ndoita murambamhuru!
Ndakananga kwaMudenhesanwa!
Basa rangu kufadza iwewe, ndoshandira kurarama,
Kwenyu kumushando tinosvika vani, hatiseki,
Kurekure kwazvo kwatakabva nengoma,
Zvainzi marombe, mapenzi nembira iyi,
Mukwidzwa nemukwidzwa, kukwidza nengoma,
Tinoziva gwenyambira ndichipangamazano wani!

Taikanyaira semombe,
Dandaro redu raive rekuimba, ruzha:

Chirimundari-ndari, Chirimundari
Ndasiya usanga pachena
Ndovana chidzimu chatora
Doonzwai waro kutaura kwacho
Dai kuri kwangu nyamusi
Matemo angu maviri
Nemakano aya matatu
Kuzoti gidi riya ajikindere
Pfumo rangu ajikindere…

Zvamapinda pasvitsa kudai?
Usazonoshamarara vawe ikoko iwe,
Kuzvibata, kurereka nekuzvityora,
Mwana wamambo muranda kumwe!

Ndakasarura ndega,
Chimhandara chibhamu chemwana,
Chinemeso anoenda-enda,
Ndiwe svovi yangu,
Kundirezva ndadhiniwa,
Zvino mamuramba wangu,
Ndomuwanepi ane ndoro chena?
Rudo harumanikidzwe,
He-e rakadyiswa, mupfuhwira rudo!
Zvinobhowa iwe wazviziwa!

Imi baba munonetsa,
Inga jeredzwa rangu ndere mapondo?
Ndoiwanepi nyanga yenzou?
Ukasadaro mwana vangu ndotora, hezvo!
Hamuone here mwana mamupa manyemwe?
Kufambira mudenga, makumbo asingatsike pasi,
Mupe mukombe wemvura, paita munhikwi,
Sabhuku naSadunhu, hona zvatosvorana,
Unotsiwa sei pausina kutadzirwa?
Chipembenene kupinda munzeve yemwana,
Changa chawaridza bonde kare-kare,
Hini ndava uchinenedzera hwahwa?
Kupotsera dope, rimwe rinosara mumaoko!

Rega kupembera-pembera nemakan’a,
Musaore moyo, Imba haiwakwe nezuva rimwe,
Shanje hadzivake musha,
Dzinoputsa bango, dzotyora mbariro kuita tsotso,
Kurarama pabodzi, hazvisi zvematsimbe,
Sunga musha hunyarara, ini tonho, ini zii,
Ndapota, maita basa, wanza sori!

Kuvaka musha kunodadisa,
Hakuna nyika inokunda kumba kwako,
Mazuva maviri wakasunga hura, retatu wagunun’una,
Hubaba pamhuri rwunokosha,
Kuve musoro vemba kunobva kwavari,
Hongu mhaka yawepo, takatukana,
Kupopotana amai ndokuramwa,
Hazvirevi rudo handina mwanangu?

Kufurirwa muchinyanya,
Ndiyeyu munyengeri, iyeyu akafuratira,
Hunzi zvinotapira, inzwa unzwe zvinotapira,
Kuriona guyu kutsvukira, mukati rizere masvosve,
Unangwarira vanodzvova ndururu,
Zano ravapangwa inga rinenge sarudzo,
Chekusuma neakapakata, anerewa nepasipo,
Chengerai vanonunura vakapinga,
Vogokuita tsvimbo yehorikotyo,
Ngwarai vanangu kani, ngwaraiwo!
Kuera dziva igumbo ribodzi, makumbo ese unoerera,
Gudzamudungwe inokupinza muna taisireva.

Zvinotanga sekudada, zvigouya sekuvhaira,
Zvikomana zvemazuva ano kuonererwa,
Mari pano, mumota, kumba nekubhangi,
Chimusoro, kukambira-kambira wanyanya,
Kubvongodza muto kuseva kweakaguta,
Iripo mikono inorarama neraki,
Kamburumbude usangongwara pasina,
Cherechedza Bonderai, ichi chinenge fuza,
Kuzvirova dundundu, odadira vamwe, kutsvinya,
Ukadzvanya akaonda, magumo acho chii?
Rega kutsvinya mwanangu, munhu munhu,
Nyangwe murombo, asina kubarwa ndiani?
Kumhanya handikusvika, usaseka akwira mumbombera,
Rega kuzvitatakadza, kudada sewakasika nyika,
Huwe-kuwe kuseka, seka urema wafa,
Kuseka ndokunei, ko-o kubatsira munei?
Mutandamhuno unodzingatira,
Uchati wakahwanda iwe uri paruware.

Nungo huroyi, kumirira vakashanda kare,
Dai kuri kwangu kumusha kunorimwa!
Vachakunonokera baba wavamirira kufa kudai,
Haasati akura, kuda kupfuma nemisodzi yemwana,
Kubata musoro, kubata musana, inungo!
Nzara inouya nemutemo wayo isina vamwe,
Ruoko onokoreiko ziso asina chaaona?
Nhumbu haangagute muromo asina chatsenga?
Kunzwa musoro kutema, handiro dambudziko,
Kusimbirira mhopo pamusana, ziso rine mbonje?
Ongorora chikonzero chaita musana ubande!

Gore negore ndezvenyu, kungopururudzira vamwe,
Nhasi ndezveduvo, ita makorokoto kwatiri,
Maitire enyu changamire, munendipasa manyemwe,
Shamiso, apa nhasi wanditsvata,
Ndichakutengesa patapata, toti makorokoto wagona!
Ukada kuzvongonyoka, shiringinya,
Nyanduka, mangwingwindo dzvamutsvamu,
Dzinza rese rotutuma, wedu adadisa,
Chimbambaira chiri mupoto ndodya naniko?
Chori nevamwe, pano paita mafaro, ko-o huyaika?
Tinokutambirai nemaoko maviri matitsika,
Kunyanya imi makokwa, hatikanganwe nemi mangouyavo,
Musha musha nevaenzi,
Isu tambe, iwe tambe, isu fare, isu pombono!
Zee-zee mumafura mhepo, nhengure ndipe bapiro,
Handikendenge susupenzi kubva mushereni,
Mukuwasha inga imhute chaiyo,
Dai tarega zvakadaro, zvipwititike zviende.

Zivai rugare rwamangwana,
Runobva mumaoko enyu imi wechidiki,
Teererai vabereki,
Ruzivo rwavo rwakakurisisa kupinda akadzidza,
Maitiro ako anhasi anoumba chiremerera mangwana,
Zviuya zviri mberi, kutungamira kusiya tsimba,
Nzizi dzamakayambuka pasina zambuko ndidzo dzinoita mukudzwe,
Gudo guru peta muswe, vapwere vagokuremekedza,
Hope hadzina ndima, ukagudugudza wasaririra,
Zuva rakwira kanda tsoka,
Tora muzira tiende, basa mangwanani,
Hatina nguva yatinofunga kuti tinayo,
Pamunoronga, rongai nenguva,
Pakushanda, tangai nenguva,
Mvura yaturuka, rimai nenguva,
Nguva ine varidzi, ngaishande zvine njere,
Kare hagari ari kare, nhasi haarambe ari nhasi,
Ramangwana rirongere, chisingapere chinoshura,
Kushanda nesimba hazvigumi ipapo,
Waibata muchanza, woronga!

Rufu ndimadzongonyedze, anouya tisingafungire,
Zuro uno taiti gorokoto, nhasi uno matitorera,
Watungamira sei asina kuoneka?
Rufu rwune shanje, kutsaura vanodanana,
Gashirai mwana wenyu, mugare naye nerufaro,
Matora wani kare, ndiyo nzira yedu tose,
Pasi rino handiredu, patasvika pano pamawere,
Tingapatsika-tsika pakangoti zii, tingopasvipira pakangoti mwii,
Zuva riya pakamedza mbuya, pakazotora sahwira nemwana,
Musakanganwa pasi panodya,
Tumirai mhere kuvakuru, kuno kwaita mabasa!

Ruva rakanaka harirarame, anopera rumwe rumwe,
Rangoyevedza chete iwe kwachu watanha,
Zuva rekufa kwangu, regai kuchema kani,
Torai mundikande nepapapo,
Ndati makava agodya pamadiro!
Pangu pese ndasakura ndazunza,
Zvasariremi kupfuga nekuvarira!
Ndakuneta, ndoenda!

…Ndipo pakaperera Sarungano!
Pamwe pane akarima neChisi, reurura,
Jekesa mhosva yedu, ndiudze chikonzero,
Mukaramwa ndonoturira makomo:

Ndotonanga kun’anga, zvimwe mhosva ndeyedu,
Ndotonanga kun’anga, kufumura Chisi cha’She,
Ndotonanga kun’anga, arova mai ndiani?
Ndicho chikonzero!

Nhetembo iyi yakaumbwa kubva mumamwe manzwi enziyo dzamukoma Oliver “Tuku” Mtukudzi (22/09/1952 – 23/01/2019)

tuku_header

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*