Vamwe vaiti ibenzi

Ruzhinji rwaiti anorwara,
Vamwe vakati ibenzi,
Zvikanzi navapfuuri anopenga,
Pane vaiti kukotsira,
Ngaarohwe gwati apepuke!

Vemutsa vakati musadaro,
Moyo murefu wekuregerera,
Hongu, dzakatamba nepwere,
Dzikapoya paya pakudzorerwa,
Kwete, haisi mhaka yake!

Achipenga ngaamhanye bani?
Haarwari uyo, pada inzara,
Ari kuzvuwa makumbo kudaro,
Kuteerera mwiri kwaanoita,
Mupeyi munya nemunjonjo.

Pwere dzoti tuzuru, nde-e!
Pedze dzokwatika kuseka,
Ruzha dzichitevera shure,
Gurumwandira kusvooredza,
Rake bhurugwa risingazivi mberi.

Takazonzwa nerunyerekupe,
Mumasaisai echimanjemanje,
Kuti anonyepa, kutsvaga kupona,
Saidzirai Bhoki muone kumhanya,
Tozonzwa hu-u, bhu-u, yowe-e!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*