Achakunetsa

Vakanditi ndiritsuro ndinobvurwa sembeva,
Ndokuti kwete iye achiti hongu,
Kuzodairira svoto seyaiwe yako,
Hausakazvinzwa here kuti ibofu rudo?,
Achakunetsa mangwana abata nyoka,
Oda chekuseva opihwa mavanga,
Usazoti ndechekuchera ndiwe vakamucherera.

Nyuchi dzinovinga maruva zvauri kutsi kwehope,
Kufarira chaedza nehutsviri tsviri shiri,
Zvisazokunetse vorumwa neunhutu,
Uzoziwe anorira usiku mazizi,
Usazopere tsoka kutsvaga chinodaro,
Nekuti paunotosvorwa unosuduruka,
Achakunetsa aya mashoko zvichakunetsa,
“Ndozvavaidaka”, zvaitika.

Madyiro ako kadambura kambudzi,
Chiita kekufudza kasakupedzere munda,
Zvakazvarira panevanhu katoti kagona,
Kwete ndipondwe kati nditandirwe imbwa,
Chirodzai rairo kwete mapfumo,
Shongai rudo muvavakiridze,
Huuya kuvanda kwakarambwa nemuroyi,
Munhu haarovi uyu achakunetsa.

Iti handinzwarwo asi uchanzwarwo,
Zviri muvanhu zvinovanikwa,
Mugoni wepwere ndeasinayo,
Iti ndagona asi uchagoneka,
Rudo harwunzarwo rwasiyana nehondo,
Manzwi ega ishamhu inorwadza,
Chichengerai muchirega kuraira,
Achakunetsa awe zitateguru remusha.

naTafadzwa Gibson Madhina

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*