Kupfuma imombe

Ita mombe paruzevha tikurume nzeve,
Ndarama yechivanhu kubva chinyakare,
Kana pari papi zvapo parere moyo,
Une dzinotsika zvose zvakati twasu,
Zvinoda dzakasangana hadzi nehono,
Kubatsirana ose mabasa epamusha.

Nzombe huru dzakabva mukurerwa,
Mhuru ngadzivande tsiru dzinoita zamu,
Kana dzava mhou mukaka zvino chakata,
Hono dzosunurwa kuti ave majongosi,
Junju, horeka, mhandamba dzopingudzwa,
Posara inohwihwinya handira yekuberekesa.

Kuisunga ngoro inzombe dzine muchiti,
Maguta pakurima madhonza akasimba,
Wosunga forosi akatendeka kurudyi,
Haidi chikoti kana mutungamiri,
Kutongorima nemheterwa nemuridzo,
Munda vagara vadetsudzwa nendove.

Rinobatika here basa usati waimwa hobvu,
Kana iri tsiru nzenzi manhenda waikama,
Mombe yenjeni kutokama wakasungira,
Chitenga yako urege kuramba wakaringe nzira,
Paita havi tema dore wokanga nyama,
Dehwe wokakata nemunyu mangwana rukukwe.

Wangu mukorore otizirwa zwana madeko,
Nemukunda Samanyanga weganda gobvu,
Kunyangara zvake pamumhu pabadza ibhinya,
Tezvara voshevedzera gumi nenhanhatu,
Ambuya vanodavo inotsika yechimanda,
Pedze moti mukwasha mukuyu hauperi kudyiwa.

Sabhuku akatisiya paseri pechikomo,
Neumhare hwake dunhu rose roungana,
Takaritema rino bhuru rakasvika renhevezo,
Makurukota padare kurwirana yakagochwa,
Isu taishanda parufu kana kunzwa payakaenda,
Takazoita svoto neramba pakurova guva.

Uyu sahwira Chaitezvi pamhiri perukova,
Ngozi yemwana yamutambisa chepamusoro,
Zvino ngava zvainopedzwa nekuripa,
Vatadzirwi vakati vanoda shanu dzinofema,
Anodziwanepi iye ari zvake musvuuganda,
Dzinza kutopera pamhene takatarisa.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*