Manditema

Zvavati uchasvika kupera kwesvondo,
Chirega kuuya angori maoko,
Kana wakabata kanyama kepondo?
Zvinoremererawoka zvitakurwa,
Hwemubhodoro hutsvuku, hauoni!
Ndokuitawozve munhu azvipira,
Ukama igasva hunotoda kudya.

Haungoeri watsika ruvanze,
Rwatsvairwa naambuya mangwanani ano,
Kutoombera kupinda mumusha,
Imbwa dzepano dzingashaya anodzinga,
Peta muswe usati wavhuramuromo,
Kusvika watekenya yekupiva ndiro,
Tiutange mutambo wekunhonga!

Zvino wakandinzwanani kuti ndakanuna?
Musoro padivi kusiririsa kudaro netsiriri,
Uri hwanyamusha kana homwe hadzina kudzama?
Wako ainetsa, zvinotoda mafukidzadumbu,
Gumbeze, zvipfeko kwazvo neinokuma yeumai,
Wogara wabvisa yechimanda tisazonetsana,
Usiye wandipfekedza jazi chando chino!

Ndaona matopfekedzana zvenyu sambo,
Mbudzi dzangu saka dziri kupi?
Rega kuita nhonho tifambe nendima,
Dzinotsika ndinoda dziri pfumbamwe,
Usina danga’bva zviuru gumi zvepondo,
Yemhiri, mayuwesi asingapeperetswi nemhepo,
Wada kupinda mumambure wovedzera chuma!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*