Kugarira hari sembwa

Zviyo zvako hazvina kunyatsokangwa izvi,
Hauzivi mhamba inoshata musi vayabikwa,
Moshora angu magate mashava kuvazva hwahwa,
Nditambidze mhirimo tiite ‘mhoro doro’,
Iri rinotoda chiwenga nditsukute tufodya,
Zvimwe ndikakwewa ndingabvisa kakuzhazhira.

Usaramba sadza, hwahwa hauna mbuva,
Hadyana yechembere iramba varavira,
Vasvitse denhe vatobika, tsambakodzi yakwata,
Vachatoisa yepiri zvatatsikwa naSabhuku,
Nokukara kwake achatodya chingingiya chaSamusha,
Hapana chembwa nhasi tenzi vararira mutakura.

Vamai kuvhaira kumupakurira mbiya yake ega,
Opunyaira zvino nayo yenjera tsima,
Kuti ati ndaguta zvakona n’anga,
Zvaabvira kunwira mvura chirongo chatozeyama,
Nhasi haashambi maoko paanopedza kudya,
Atozvivanira zvigunwe zvekufamba achinanzvira.

Pwere tadzipa muto, hamuzivi chakakodza nguruve,
Chiriporipotyo dzatsvaira chaenga chose,
Mumwe anga oita zvekunwa vamwe vachida kuseva,
Hameno akakurirepi asingazivi kudyira mudariro,
Ndisvitse hwedza iyo ndivadirire zvangu mukaka,
Kana hodzeko kune vanoda zvavo vakakora.

Doro rako mushonga kushata,
Vamai vabika shomanana,
Sabhuku vatsenga muriwo,
Pwere dzapedza mukaka,
Donditambidza zvako pfuko yemaheu,
Ndikatsenga masese pamwe ndingadzinga nzara.

14 Replies to “Kugarira hari sembwa”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*