Zviyo zvako hazvina kunyatsokangwa izvi,
Hauzivi mhamba inoshata musi vayabikwa,
Moshora angu magate mashava kuvazva hwahwa,
Nditambidze mhirimo tiite ‘mhoro doro’,
Iri rinotoda chiwenga nditsukute tufodya,
Zvimwe ndikakwewa ndingabvisa kakuzhazhira.
Usaramba sadza, hwahwa hauna mbuva,
Hadyana yechembere iramba varavira,
Vasvitse denhe vatobika, tsambakodzi yakwata,
Vachatoisa yepiri zvatatsikwa naSabhuku,
Nokukara kwake achatodya chingingiya chaSamusha,
Hapana chembwa nhasi tenzi vararira mutakura.
Vamai kuvhaira kumupakurira mbiya yake ega,
Opunyaira zvino nayo yenjera tsima,
Kuti ati ndaguta zvakona n’anga,
Zvaabvira kunwira mvura chirongo chatozeyama,
Nhasi haashambi maoko paanopedza kudya,
Atozvivanira zvigunwe zvekufamba achinanzvira.
Pwere tadzipa muto, hamuzivi chakakodza nguruve,
Chiriporipotyo dzatsvaira chaenga chose,
Mumwe anga oita zvekunwa vamwe vachida kuseva,
Hameno akakurirepi asingazivi kudyira mudariro,
Ndisvitse hwedza iyo ndivadirire zvangu mukaka,
Kana hodzeko kune vanoda zvavo vakakora.
Doro rako mushonga kushata,
Vamai vabika shomanana,
Sabhuku vatsenga muriwo,
Pwere dzapedza mukaka,
Donditambidza zvako pfuko yemaheu,
Ndikatsenga masese pamwe ndingadzinga nzara.
Interesting, this actually helped me with my nephew’s homework
Tatenda!
Ndafarira detembo iri. Homework yemwana zvafamba.
Tinotenda! Zvinotikurudzira kuenda mberi nebasa!
Wonderful
This has helped my child in doing her Cala work
Basa rakanakisa iri
Munyori maita basa rinonwisa mvura
Munyori mabastira zvikuru mufare murugare
Cala yafamba nedetembo iri well done
nice
You helped me in my cala
Thank you, you helped me with my CALA
Maita basa chokwadi. Cala yemwana yaita