Wandiremera

Ndanga ndati ndavanavozve vangu,
Ndokuperera nemwoyo, ko-o ndaizivei?
Akapfekenura ndokundirova kumeso,
Dzesvitsa mhete ini ndokumupfekedza.

Akaoma semukuyu, nyama zvese,
Nemwoyo, okonja kutsenga serunda,
Kumedza zvaramba, pahuro pagara bundu!
Ndaona ndondo, haasi awe kuzvinyanya?

Simba rawandira kumuromo sepinjisi,
Chinguri, kutaura seane manjoko mukanwa.
Dzangove nheketerwa, chandakapara chikukutu,
Zvitadzo zvangu zvawandisa sezvaJuda!

Rake ziso rinongoona zvakashata,
Karo kadiki-diki, ndanyorwa kumusana.
Kundipumha unyope nemuswe webere,
Zviito zvake punha, idi zvaminyama!

Okurirwa nemhepo, changove chinya,
Zvino pese ongoruma-ruma segonzo.
Kundiita rake dununu, chikukuvatavata,
Pane ronda ndipoanoda, kunditonesa!

Kubva, kuranga vaunoda kunonetsa,
Hauzamuri, kutoruma uchifuridzira.
Kusiya rinopisa, kwavo richikwata,
Kumhanyira munya wekumakwato!

Ndanga ndakanyarara zvangu pese apa,
Ndichizama noto, kuti pada tingajairana!
Hakunaka kusina mapfihwa anogumhana,
Manje yafira kwangu, ini ndadumbirwa!

One Reply to “Wandiremera”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*