Mugwagwa

Kungofunga kuti rugare rwuri kune imwe,
Nzvimbo, hauzombofi vakafara paugere,
Rake ziso rongoshoropodza zvarinoona,
Dakara mwene aritakura, nekamukwende,
Kunanga mugwagwa, kuchiteshi chebhazi!

Kutanga kangori kagwanzi zvako kazere tsine,
Nerukato, iko kataisunga rundaza tichiyaruka,
Dzokono kofaranuka pokotanga kutakura ngoro.
Inosvikira mabhazi kwedu yaingova huruva bedzi,
Asi kusvika kudhorobha, yanga yave nhema!

Uzivi hwenzira huri murutsoka weduwe-e!
Kwedu kuriona bhazi musiwo yaitova nyaya,
Yekujana kwemwedzi yakati kuti gorero.
Raizivikanwa nevashoma vaienda kuchikoro,
Pedyo nemabhizinisi, pavairiona vobuda.

Padhorobha torikwira madiro, mari yako chete,
Ndizvoka zvisionekwi, kurarawo pamubhedha,
Mudzimba umu magetsi kuti je-e siku rose,
Mvura irimo mumba, pasina kutimba matunhu,
Chimbuzi chaicho, hazvisi zvekubuda panze.

Ndorusimudzira rwendo pakupedza chikoro,
Kunanga kuguta guru kunovezwa ruzivo,
Zvino nzira yafaranuka zvakapetwa kaviri,
Dzinoenda dziri kwadzo, dzinodzoka kwadzo,
Ivo vanhu zvino vave mavhu nemarara!

Hapana chavaona usati watsika nyikamukanza!
Ndiani aiziva kuti mudenga mune migwagwa?
Yendege nezvipokopoko, zvichingopesana-pesana.
Yemotokari nzira inoti sere kuenda nekudzoka,
Mabhasikoro, vanhu, zvitima zvine dzayo yega.

Kubva upenyu hwacho kani, kugara wakamira!
Mwana umwe naumwe ane mupanda wake ega,
Mupanda umwe naumwe une chimbuzi chawo,
Asika chinopenya chese kutobhadhara mutero,
Chemahara semushana hapana, kurara uchifamba!

Pahuma paunyana, chondongofunga kumusha,
Nembwa yangu Muroyindishe ichironda hwema,
MuNyachirongo, mutunhu uzere marumamombe.
Nziyo, hosho nengoma zvataitamba mujenaguru,
Nevakomana, tichirova nyasoro paJorodani!

Nhasi nhava yazara mhepo, sendaishandira ngozi,
Gunde repwa rinonaka asi ragara hariiswe mudura!
Mugwagwa wandidzosa kumavambo, ‘bva hapachina,
Musha wakatizwa nemakonzo, rave dambiro redzvinyu,
Ndadzoka mukanzira kekumarinda kurere vadikani.

2 Replies to “Mugwagwa”

  1. Makadiini henyu, ndiri mwana wefomu yechina ndirikunyora Shona gore rino. Ndeapi mamwe emazano amungandipawo kuti ndigokwanisawo kunyora rondedzero dzinonwisa mvura?. Ndingafarawo mukandibatsira

    • Kunyora kuverenga!
      Unoda kuverenga mabhuku akawanda ane nyaya dzakasiyana-siyana nevanyori vanoraudzira.
      Kana wozonyora dzako nyaya, unenge woshandisa ruzivo rwakadzama runobva mumatura akasiyana.
      Tanga nekunyora zvaunoda kureva wozodzokorora uchiisa zvirevo netsumo pazvinokodzera.
      Ramba uchiverenga, tatenda!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*