Kungofunga kuti rugare rwuri kune imwe,
Nzvimbo, hauzombofi vakafara paugere,
Rako ziso rongoshoropodza zvarinoona,
Dakara muridzi aritakura, nekamukwende,
Kunanga kumugwagwa, kuchiteshi chebhazi!
Kutanga kangori kagwanzi zvako kazere tsine,
Nerukato, iko kataisunga rundaza tichiyaruka,
Dzokono kofaranuka pokotanga kutakura ngoro.
Inosvikira mabhazi kwedu yaingova huruva bedzi,
Asi kusvika kudhorobha yanga yave nhema.
Uzivi hwenzira huri murutsoka weduwe-e!
Kwedu kuriona bhazi musiwo yaitova nyaya,
Yekujana kwemwedzi yakati kuti gorero.
Raizivikanwa nevashoma vaienda kuchikoro,
Pedyo nemabhizinisi, pavairiona vobuda.
Padhorobha torikwira madiro, mari yako chete,
Ndizvoka zvisionekwi, kurarawo pamubhedha,
Mudzimba umu magetsi kuti je-e siku rose,
Mvura irimo mumba, pasina kutimba matunhu,
Chimbuzi chaicho, hazvisi zvekubuda panze.
Ndorusimudzira rwendo pakupedza chikoro,
Kunanga kuguta guru kunovezwa ruzivo,
Zvino nzira yafaranuka zvakapetwa kaviri,
Dzinoenda dziri kwadzo, dzinodzoka kwadzo,
Ivo vanhu zvino vave mavhu nemarara!
Hapana chavaona usati watsika nyikamukanza!
Ndiani aiziva kuti mudenga mune migwagwa?
Yendege nezvipokopoko, zvichingopesana-pesana.
Yemotokari nzira inoti sere kuenda nekudzoka,
Mabhasikoro, vanhu, zvitima zvine dzayo yega.
Kubva upenyu hwacho kani, kugara wakamira!
Mwana umwe naumwe ane mupanda wake ega,
Mupanda umwe naumwe une chimbuzi chawo,
Asika chinopenya chose kutobhadhara mutero,
Chemahara semushana hapana, kurara uchifamba!
Pahuma paunyana, chondongofunga kumusha,
Nembwa yangu Muroyindishe ichironda hwema,
MuNyachirongo, riye gomo rizere marumamombe.
Nziyo, hosho nengoma zvataitamba mujenaguru,
Nevakomana, tichirova nyasoro paJorodani!
Nhasi nhava yazara mhepo, sendaishandira ngozi,
Gunde repwa rinonaka asi ragara hariiswe mudura!
Mugwagwa wandidzosa kwazvakatanga, ‘bva hapachina,
Musha wakatizwa nemakonzo, rave dambiro redzvinyu,
Ndadzoka munzira yekumarinda kunoona parere vabereki.