Kwatinobva kure

Nyika ihombe kwazvo tinokwana tose,
Mombe madhongi nehwai ifararira,
Panhabvu tukomana injodzi munhandare,
Tusikana tuchitamba dhere nemamhuza,
Inongova njakenjake nharaunda yose,
Kana anokendenga kuti kunze kunei,
Hapana kurwirana mweya wokufema.

Kumakomo emhute masango anorura,
Kwatinoswerodzifudzira nekuvhima,
Pfumo kuruboshwe, tsvimbo kurudyi,
Demo papfudzi, imbwa mumashure,
Kuhwandirana nengwe totizira muninga,
Zvaitika zvaitika bhurugwa rebenzi,
Risingaziwe mberi kana shure.

Nzira yamabhazi anoenda kudhorobha,
Iri kure kwazvo hapana kana ruzha,
Tumichovha tunodzika kuno muhuruwa,
Tuchiperera kuchikoro uko kwaShinja,
Tete vauya pazororo kutosunga ngoro,
Kuyambuka Chitumanyere nemumvura,
Kunotambira chingwa nejemu dzvuku.

Apa pane hurudza yenjera nemichero,
Apo pagere muvhimi nemumori weuchi,
Nzuzu mubati wehove iri nechepapapo,
Uyo anotamba nembezo kuveza majoki,
Pamhiri mupfuri vemapadza nemapfumo,
Paseri anobika rezviyo kungoti mukombe,
Pabira wotoimba manhanga kutapira.

Kupfunya ndekwe avata nayo,
Isu maguta tinorara takatandavara,
Ndarama hatineyi nayo mudunhu rino,
Tinoicherera pasi kunze muruwanze,
Nekuti chedu kuchinjana navavakidzani,
Rungwanangwana patinomutsana,
Tichibvunzana mamiriro ehupenyu.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*