Makarima dondo

Musha wenyu ndiChikunguru vasekuru,
Ziiii tonho godo rechando,
Nenhunzi dzatama hadzivanikwi,…
Mushaiko unoraramwa neane chaakatsika?.
Mushaiko usingarire ngoma?.
Kuimba tinoimbirwa nemazizi,
Ani iyeye anotaura naani?
Ani iyeye anoseka naani?
Kuseka kuri mumusha uno ndekwemapere,
Musha uno vaita hwai nemapere,
Matura emusha uno azere nyoka nezvidhoma,
Shuviro ndeyeiko ipapa?.
Chionai vasina simba toyuvira,
Toitwa mutemarege wembada,
Sasekuru gudo sekuru muchingoti tsviramo,
Musha uno mauita kanyika,
Zita rimwe, mazana nemazana evanhu,
Zita rimwe, mazana nemazana emitupo,
Zita rimwe, mazana nemazana ezvidau,
Chionai makundano ezvizukurusikana,
Mumwe nemumwe ouya akabereka wake,
Chionai makundano ezvizukurukomana,
Mumwe nemumwe oda pake pekutonga,
Chionai mafashamu emvura,
Imba neimba yavapachitsuu,
Masikati hakuchina rangowa dima,
Kukudzana hapachina kwangowe kungonongedzana,
Humwe hwaparara yawe miranezvako,
Ndima yerudo yamera mipangara,
Madzitateguru makarima dondo,
Madzisekuru makadya matunduru,
Zvipiko zvamusina kubata neenyu maviri?,
Hudyire, kuponda nemeso meso,
Kutsika pasingatsikwi nekubata – bata,
Hwoni hwenyoka payenyu moyo,
Nhasi neuziza zvizukuru totambura,
Madzisekuru makadya matunduru,
Madzitateguru makarima dondo,
Redu dura rakazara nhamo nemheremhere.

naTafadzwa G Madhina

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *