Imwe nhamo kuzviparira

Kupfachura ndekwe vakazara nazvo,
Vanoshaya vagara vanodunguzira,
Kumhanya hunge uchiziva nzira,
Vamwe vose zvino kutotsunzutira,
Kunopemha hakuendwi vakatsvinda,
Mucheno vamandiriri vakashongedza,
Makasunga zvidananguva zvemazana,
Emadhora, muchizvidira doro remhiri,
Kufamba pamwe neparamendi yose!
Vanagudzamudungwe, pasi nemudenga,
Zvino ndege yenyu mega munoida yei?
Ko kukwira idzo dzinokwira vamwe,
Muchinokumbira vakapfeka zvikabanga,
Kubasa vanoenda vakatasva bhasikoro,
Mutungamiri anotambira mari shoma,
Imi muchitambirisana zvakapetwa kasere,
Kurara nekudyira muhotera misi yose,
Zvino ichanakidza sei nyika yave rima,
Mwana atenga bhutsu nemari yemagetsi,
Inombowe marii yamunoda zvifambe?
Iyo yamunoswerogurira matunhu,
Zvaisingakwani bhazi kudzoka kumusha,
Inga tine migodhi yendarama vani?
Cherai goridhe tibude munhamo!

One Reply to “Imwe nhamo kuzviparira”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*