Kukura hakutani

Kukura hakutani, kamwana kanezuro uno?
Kataituma mvura kachiita zvokumhanya,
Mukombe vosara vosvika chave chikamu,
Ndiko kupindana kwamazuva takarivara,
Nhasi zvino rasimba, pasadza chave chigayo,
Kumutuma yangove tana, ongozunguza musoro.

Yowe-e, zvaichanaya inopisa!
Kushinga kubuda panze nezvauri izvi?
Kupfeka marengenya zvanzi mucheno,
Kupedzera mari pamamvemve chaivo,
Guvhudende pachena, shumo yazvo tsakata,
Iye hanya nani chidhoma chekwaChivi.

Sahwira wacho matindingoma panze apo,
Kufamba hukanyaira chipfuwa chiri pamhene,
Siketi uku ungati akasungira bhande faru,
Hapana nehembe yose, mitengo ndoti yaderera?
Chakakosha chagara chinovigiridzwa,
Chemahara ndochinoshongedzwa pese pese.

Iro jaya rako kusimira kwerudzii kwakadaro?
Kurembedza mabhurukwa, nduwe yose panze,
Kufamba hunge dhadha, mukati dzakakwana shanu?
Tarira kuengerera segondo raona zumbu,
Nharo ndimuzivazvose paita mhandara kudai,
Pane angagone chisingagoneke naGona!

Buda panze uzvionere pamhuno sefodya,
Hameno chavabvira kuti serefi, fesibhuku?
Vangaijaira here iya nhamo yatakakura nayo?
Ivo vanongogutswa nguva shoma senzara,
Ungori mudyandigere, chimenyeramukanwa,
Pwere dzanhasi kuda zvakapfava sehonye!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*