Unoendepi

Chinobhururuka chinomhara!
Segondo, pedyo naMukuvisi,
Haarare, kutonanga kumabhazi,
Wokwira rinoenda Kumakomoyo!
Chitora befu pamusika wehuku,
Uchitenga zvekusvika wakapakata,
Zvinoremerera, masaki mairi,
Semunhuwozve wabva kure?
Rokoromoka kudzika chamhembe,
Pamharadzano, wotora mabvazuva,
Kungoti fambei romira munyasi,
Pomoburutswa navamutyairi,
Zvanzi rinoremerwa rikati pudzu,
Kukwira Matsororo netsoka,
Kudzoka mubhazi rati tunhu,
Panzira inoenda kwaMutambara,
Ipo modongorera paChimonyo,
Moruyambuka rwetatu Mvumvumvu,
Bva n’ai kwadzo ndedzomucheche,
Dzomukuru dzinoreva kudya,
Vamukokeri vomuzorodza pakare,
Nhedziwa musha mukuru!
Muchitenga tushoma twasaririra,
Madomasi, hanyanisi nekanyama,
Nedoro dzvuku remubhodhoro,
Rekusvika paruzevha makapfumbata,
Nekuzvivaraidza, zvamave pedyo,
Kubva pano zviteshi zvavanda,
Kuti pote masvika paBumba,
Momonyoroka kudzika Raimu,
Yambu Shinja mave paMutsamvu,
Mosiyana nenzira yekwaShinja,
Pedze moyambuka Munyanyazi,
Muuyuweburi moburutsa vamwe,
VeBiriwiri, Mhakwe, Chikwakwa,
Movangarara nemakata, hupoterera,
Ine minzwa ndiyo nzira youshe!
Pasina kutsauka, nanga nemujinga,
Inoenda Chipinge mosiyana nayo,
Dakara mati tunhu pakati pemakomo,
Panonhuhwira zvinanazi zveChikukwa!
Pakati manimani, modongorera Putukezi!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *