Nhasi vanatwo

Mbudzi ichakarodya nyama!
Ndagara ndazviona karekare,
Amai vepano nhasi vanatwo,
Maroverwe ari kuitwa mwana?

Iko kanyama kasina godo,
Kamupungurunje kandinodisisa,
Nhodzero, mumhu nezviito,
Nyeredzi pameso zvese nenjere!

Paanoti nzve-e shamhu yeMupenga,
Manenji, kupinyura mapfihwa,
Hadyana yose kudubu, bheu!
Ochiona zvino chakapedza mbudzi!

Zvino rangu simba zvaraparara?
Rakaenda ikwo kwakaenda makore,
Kudoti svaa hapana achandinzwa,
Ndoita sendadira parafini muchoto!

Kupoterera, ndazviziva idimikira,
Agara matukirwe aSamusha,
Kunema pwere yavanofarira,
Kufanana nababa kunoparira!

Ini mandigere muberere simu!
Rekeni nemiseve yangu nyamu,
Ndonanga masango anorira pfeni,
Regai nditaraukire mhanduwe!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*