Nyika inodadisa

Rengwendu, ndokwira matunhu!
Kuyewa iyo yakatikomberedza,
Mapani, mabakwa nemakura,
Mashizha oyevedza ruvara,
Inongova mudya nemeso!

Inzwa runyararo kuti mwi-i,
Bedzi kurira kwemashizha,
Bva hutsi hwenyama hautosvori!
Shiri, nyenze netupukanana,
Zvinongotsviriridza zvinodadisa.

Kamhepo inga kutonhorera,
Kachifuridzira zvinyoronyoro,
Kunhuvirira kwaivo mashizha,
Kana maruva emuno musango,
Nehuchi kubva mumikoko.

Rawira michero mutakunanzva,
Nzviru, nhengeni nechecheni,
Shuma, makwakwa nematohwe,
Nyii, nhunguru nemazhanje,
Chitaurirwa mbare yegotsi!

Pandati seya ndabiwa nehope,
Kwadoka, zvino ndamuka nedzungu,
Ndoti nyamu, chitsoka ndibereke,
Ndovhunduka kese kati kwata,
Nezvigutsa zvakasara murutsva!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*