Rufaro rwetsinye

Zvako iwe hazvinzwisisike,
Kufara nemisodzi yevamwe,
Magaramoyo, izvi zvinorwadza,
Zvinofadza bedzi wauya nazvo,
Nyemwerero vamwe vakasuwa,
Wagara wakanaka wakarara,
Kumuka chete kungobvotomoka,
Miromo isingamharwi nenhunzi,
Chabatwa nanhingi chakashata,
Nei asina kubvunza rako zano?
Ari kumhepo anonhuwa tsvina,
Nhasi hauna kumuona achigeza,
Uyo anokutaura mazuva ese,
Hameno chaanoda chaunacho,
Kugara muromo uri mumhuno,
Uchinda kuona anokutanga,
Chirega zvako kuzvinetsa,
Rwako ruwanze harutsikwi,
Muramba kukokwa muramba hweni,
Manje zvausingarari zvekumhanya,
Uchinamatira nhamo kune vamwe,
Munzira dzavo kusunga rundaza,
Zvino yavo minyengetero yakasimba,
Iye mwari ndeve munhu wese!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*