Pfumvu yesadza paruzevha

Chakabaya chikatyokera!
Vangu mudzimu vakapakata gona rapedza dzinza,
Ivo vandipa ronda kuti nhunzi dzindidye,
Ndofudzwa nepfumvu kusingaperi,
Kubvira ndichiri mudumbu kupfuura kwamupfigwanebwe,
Harwusi rwendo rwevane hana nhete.

Yangu raramo haitori nguva refu,
Kungoti yarukei zvanzi aibva, kohwai!
Ukasatemwa unochekwa nerakagomara,
Ndosairirwa mutsapi mondotangonetsana nezvipfukuto,
Mviromviro yepfumvu yodongorera muruwanze.

Waita muchena zviri nani unosasikwa pazuva,
Mutema unoitwa zvekukangwa mugango!
Pedze zvonzi ngaaende kuchigayo kwaanotsetseka nyore,
Mashereni anetsa, kuitwa zvekuponderwa muduri,
Waita munyama wekuzvarwa uri zviyo?
Uri wenhamo, chako kukuyiwa nedombo,
Wochemera mai vakaenda kuti vakafa havana chavakaona,
Asi wati wadii, uchanyatsoiona nhamo yacho!

Zvino watsetseka hausisina nemuviri,
Pamoto wodzorerwa, woibata pfumvu zvino!
Kuita zvekupotserwa mumvura inovhaira,
Hanzi ngaakwate arege kubuda ari mbodza,
Woburwa masvusvu tucheche tuite zvekunwa,
Hazvina mudiki, mwana venyoka inyoka,
Vamugoti pavanoti vhu-u, zvinhu zvanyangara!
Ave manyama amire nerongo, ndoitwa zvokudhindwa,
Uku neuko ndokandwa kumadziro, pedze ndonzi pasi zhi-i!
Pandinozoburwa, ndinenge ndotemwa dzapera ropa.

Kushevedza samusha sadza, kushevedza nevaagere navo,
Vose voti fashanu, kuita muonerapamwe chuma chemuzukuru,
Zvino ndakomberedzwa nehofori dzakanwa mukaka dzikaguta,
Zvakati bafafa zvidhuzha navanamukoranebhande vodonha rute,
Idzo nyope nemharapatsetsetse hadzisaririri pakadai,
Kwavari dzavira mutswanda hadzichanetsi kujorera,
Nemazitumbu avo anongofadzwa nguva pfupi,
Ndonzi ju-u! Pamoyo, kubaiwa neziso rembayo.

Muzvinapembe samusha kungoti dinhu,
Chave chipitipiti, kuitwa kanyamakanyama,
Ndikanzi mba neruoko rune mazhin’a, ndonzi gwadu nehasha!
Pfini yeakaguta anongoti nyobvo nyobvo,
Pasina nguva ndaitwa chimwandamwanda,
Vondimonya kusweta itwo turopa twapunyuka pamoto,
Mudziva remuto vavhundu ndobvongonyodzwa,
Ivo vakati dungunu nemhiripiri vondipa munyaviri,
Pandinenge ndati pwiti, ndofema kamweya kaye kokupedzisira,
Ndonamata kuti nyadenga nditorei zvenyu,
Ndobva ndanzi nyamu nechisimba, kukandwa kumanhengatenga!

Ndoti pepu nditure befu, ndayamurwa kubva kuna taisirewa,
Bva maroto, kusaziva kufa!
Kupunyuka muhari kwandaita ndichidonhera muchoto,
Ndochibata zvino chakati tende!
Ndonzi mangu nemavende, kukandwa mukanwa munonhuhwa chidembo,
Ndisati ndati nepi, ndotanga kutsengwa-tsengwa,
Kupakanwa kumatadza nemumazino akaora,
Tumedu twasaririra twonzi deru, kurasirwa kumavere,
Vekukara havamire kufema, kudya kusvika vati dangurangu,
Kudoedza kudya gaka, paanoti fovi ndomudzipa pahuro,
Izvo kupedza nguva, ondinwira mvura ndosara ndati nyakata,
Kuitwa kafiramberi, dekedese ndokunguruka kwemazuva,
Mucherima ndongoti bangwa, vachindibira kese zvako kanokosha kandinako.

Marirangwe pohotsvuka hutonga,
Ndoedza kukanganwa chezuro nehope,
Ndofunga ndapunyuka rutsva rwuya rwemadeko,
Nyamba kwete, ngoma ndiyo ndiyo!
Hapana chakanaka, ndotambiswa chepamusoro!
Kutanga ndanyombwa magobvu nematete,
Manyemwe enhafu kuti sadza rakandizvimbira,
Mano avanamudyahandikori zvanzi tine chirungurira,
Vehura hutete voti hatina kurara nekubuda panze,
Ini ndonzi ndava munya, maradzwa, mutsatsakunya,
Kutaura kuno baba voita zvekundigocha pamarasha,
Mai votanga vandishongedza, kundizora dovi,
Vana havana nguva vonditemura ndakadaro,
Neputugadzike ndopisirwa mukanwa,
Rasara iro zvanzi nyikai maheu,
Murombo haaneti weduwe-e!

Vachakudya vanenge vari pachipangano vachisetsana,
Pandinozobuda mubako ave mazvakemazvake, zvino vogomera,
Ndawe nemaperebudzi, chiseko chenyika,
Vose vondiseurira gotsi hapana achada kundiona,
Avengwa anhuhwa, zvino ndati didinya kuimba yangu ndega kure nemusha,
Ndoti zii zvangu, kukotsa muromo,
Handingamuvengi munhu, ibasa rake,
Dzitori tsiye nyoro kundisiya pakahwanda,
Pandinongonetsana bedzi nenhunzi nehonye,
Ane tsinye ndeanokusiya pese pese,
Pfumvu yacho unoiona vadyiwa zvakare nembwa.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*