Hamubviri kureketa

Ivo vaunoti ndeve pedyo,
Wavainwa navo muchikura,
Hama chaidzo dzemutupo,
Dzamaiseva chaenga mose,
Dzaikuda chose uchayaruka,
Ndidzo pedze dzokupandukira,
Kukubaya bakatwa kumusana,
Kana uchinge wabudirira!

Aikazve uchiri mupenyu?
Zvirwere izvi, taiti wakaenda,
Wayaruka zvino wotidadira,
Hauchatizivi zvawave kushanda,
Kushaya kana kumbotiwo dhora,
Wongodya mari yako wega,
Uchingoita zvako zviya zvedoro,
Uchatifunga nerimwe gore!

Iko kusimba unombodyei?
Nekutsvukira wakura seMango,
Unomboita nezveiko iyewe,
Bva chitsvagira muzukuru basa,
Mari unoita yekuzunza seMuzhanje,
Unombotambira yakaita mawandirei?
Magarikire akadai ndeeumbavha,
Rangarira chekuba hachigari!

Kako kamukadzi kanodada,
Handisviki kwako kanonyima,
Ikwo kuonda hakarwari here?
Enda kwachiremba kambovhenekwa,
Zvino zvamunongoti pagore mwana,
Unoda kuti kamire ngenyoka,
Tengesa mota upedze kuroora,
Zvisati zvatitemesa musoro!

Iyo mhandara yako yabva zera,
Inongoramba ichirawa mabhuku,
Oita atifuratire, haachatikwazisi,
Zvino mukwasha achauya rini?
Vakomana vacho vatisingaoni,
Ikaita tsikombi yotyisa varume,
Chigagairwa wani, zviri kumbodini?
Regai zvangu ndikotse muromo!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*