Rugare

Nyika izere matambudziko,
Asi rugare rwunonaka rwatanga nhamo,
Chirega kukungira hata chisi chako,
Apunyaira haashayi misodzi,
Iye akuti rima uyu ati ugute,
Kuti uwe nerugare rwechokwadi.

Hongu ibongozozo nebopoto,
Paita bishi nemadhunamutuna,
Izvi hazvititadzisi kuva nemuchete,
Chirega kudenha zvakazvigarira,
Wotokunya nguo, rukova rwizi!
Kuti pachedu tive nekuteramira!

Chinotanga rudo nemutsa,
Kubata mabasa akarurama,
Chada moyo chagara hachikoni,
Kuzvidzora nemoyo murefu,
Mufaro nerugare zvotevera,
Ndiko kugadzikana kwepfungwa.

Hushamwari nevamwe hwakadzika,
Patinoteerera zvakadzama nemoyo wese,
Chapinda munzeve chavaridza bonde,
Topindura pasina tsoropodzo,
Rudairo neruremekedzo rwosimbiswa,
Havangaregi kuswedera pedyo nesu!

Upenyu hwenungo irima,
Rugare haruzvikoki senhamo,
Kuti rwushanye kutosunga dzisimbe,
Kana rwasvika zvakare harugarisiki,
Chikuni chagara chinoda mukuchidziri,
Kutomiramira, potse rwopfuurira.

Kana vanyengetera kuna Nyadenga,
Ziva anobatsira anozvibatsira,
Tarenda harichererwi muvhu,
Rinogochwa rakabatwa gumbo,
Kurishandisa kuti riberekane,
Kufadza vadzimu iwe woropafadzwa!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*