Amai nababa

Ini ndakangoti bedzi,
“Ava ndivo amai nababa vangu!”
Pameso pake ndokunyorwa kuti zvorevei?
Pfungwa dzake ndokupepereka kwechinguvana.

Hapana zvaanozivawo zvizhinji!
Vakasangana gore gochai matehwe,
Hapemo zvavakaita musiwo, iye pfacha,
Pakupera kwemwedzi mipfumbamwe!

Kubva voita mukomberanwa, uku nekoko,
Kudya, kupfeka nekumubaisa zvirwere.
Vaparuka muromo wamai, ndivo nyakumutuka,
Ravakasunga baba, ndiro nyakumuswatudza!

Amai ndivo nyakumurambidza makwato,
Kuvavakidzani vaida kumunokora tsoka.
Baba ndivo vakadzinga mhumhi nemapere,
Kumudzidzisa kuvhima nekufudza zvipfuyo.

Kuchikoro ndokumuendesa nemaricho!
Iye ndokumedza mabhuku nevazukuru vavo,
Paruzevha, kudhorobha zvese nemhiri,
Kusvika wake mwoyo wati dangurangu!

Kubatsira vanoshaya kwaanokurudzira,
Nekwaanoita kundibata zvine rukudzo,
Saka rudo rwakabva muchembere iyi nhai?
Mwoyo murefu ukabuda muharahwa iyoyi?

Akabva aziva kuti hapana zvekuvedzera,
Ndokuombera zvinyoronyoro achityora muzura,
Akadaira zvine rukudzo nenzwi rakaninipa,
“Tafara kukuzivai amai nababa!”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*