Paita zvibhakera

Nhasi dzina Chemusaiziya,
Isu handeyi uko kurwizi,
Tinoona chikomana chepamhiri,
Chakaurayisa imbwa yako nezuro,
Payakarohwa ganyamuto negudo,
Ngaatogwinya, nhasi anokuona!

Iri raamai vako, iro raamai wake,
Anoti pwe-e obvongonyodza,
Tiutange mutambo iye zvino,
Asina kudya akaguta imhosva yake,
Hapana anoita chitsoka ndibereke,
Akunda oshewedzwa kuti mukoma.

Asi paye vamboedza mwachewe,
Vamukanda chekumatsenganzungu,
Anakirwa, ambonzwa parere moyo,
Asi ihofori, azokusvitsa chomuziso,
Nevharamuromo, wadziona nyeredzi,
Pedze okugara matundundu!

Kusvika kumba wotongoti zverere,
Kupinda mugota pasina akuona,
Chikafu ndokuunzira nehweseri,
Pashaye anobvunza yatambika,
Madzimai anenge oda kuzivisisa,
Kuti chii chaizvo chatora nzvimbo.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*