Wandiramba

Ndiko kurumwa nechekuchera!
Ndini ndakakubata pangonetesa,
Tezvara vakati ungomuroora chete,
Ukasadaro unovhunika mitezo!

Zvichitanga zvakambonakidza,
Kwechinguvana takambopembera,
Tichidaidzira, “kuno tigere bho-o!”
Nhamo kuinzwira kuvavakidzani.

Handizivi chakati uchinge moyo,
Zvimwe kudzika midzi kwawaita!
Zvavawe kungopakurira rako divi,
Kuda ndivo mabhuku avakamedza?

Zvino dzatungana mudanga,
Woda kuramba murume, shereketa,
Waona kuonda kwangu nhasi?
Rega, zvitori bho-o zvakadaro!

Hwagara upenyu une nharo,
Dzinde wasima wotodiridzira,
Rudo moto runokuchidzirwa,
Pada rungadzoke kupupira.

Zvezera rangu ini ndambozama,
Zvandawe rombe, wondiramba,
Enda zvako, hazvina mhosva,
Uchandifunga nerimwe gore.

Tichaonana shure pakuyambuka,
Unochekera iwe ndakutsanyira,
Wochiona wanyengwa neSvikiro,
Upenyu hwese uchiridza hosho!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*