Hazvina zvazvinoreva

Usashushikana zvako hama,
Nekudzika-dzika kuzvitsvaga,
Hazvina kana zvazvinoreva,
Nyakuzvireva akatozvikanganwa,
Kupfuura achikuturikira mhepo,
Kukukandira mweya wetsvina,
Yave mhezi pakati pewako moyo,
Pfungwa hadzichaoni mangwana,
Dzakusunga ndare, kukuchemedza,
Wotadza nekupfakanyika kwose,
Iye pano akuita garandichauya,
Iwe tende, kugarira guyo sembwa,
Kucheuka-cheuka uchiti ati pfacha,
Kwaari arikutopembera zvake,
Kudya namambo achipfachura,
Achironga hwake, kuenda mberi,
Akoshiwa akasiya akufurusa,
Kwaingove kuda kukurwadzisa,
Kudzorera zvawakataura zurori,
Hauzivi zvinoita muridzi wesando?
Anoona chese-chese sechipikiri!
Ndiko kuzvicherera rake rinda,
Kuvhara mwena unobuda ishwa,
Kutsonga, vane mukaka pamhuno,
Chisiya, chitema hachidzorerwi!
Rerutsa moyo, ndiwe une murefu,
Yagara tsamwa inodya muridzi!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*