Usaonererwa

Rega kuonererwa,
Kudira jecha zvinhu zvavakuru,
Pagurumwandira nekuona vanhu,
Vakomana vanokuvhakachira,
Usiku, mapere otanga kufamba,
Vokugadzirisa kwadikwadi,
Paunoti regai zvangu ndizorore,
Paye dzichangotanga kubata,
Vorova goni, hazvidi anovhura,
Iwe uchakadzimirwa nehope,
Hazvitori nguva kucherechedza,
Kuti wapinda mutsekwende,
Vozvidziisira zvavo mvura,
Yeputugadzike, magetsi ako,
Poto yavamai, zingwa revana,
Vachikubvunzurudza chikonzero,
Chaita uvhecherwe paruzhinji,
Wotanga nekundandamira,
Asi chavanacho inguva,
Kusvika voti dadanu-dadanu,
Kutaura kupfuura mufundisi,
Newe zvatokukatyamadzawo,
Asi magumo azvo unoaziva,
Zvino mufaro hapachina,
Ndanzwa pane aridza tsamwa,
Pawatanga kukumbira ruregerero,
Nemisodzi pamatama sepwere,
Wozunzwa, uku neuko semuzhanje,
Zvino vavhura musangano negwati,
Riya zenya chidzipura neganda,
Vokurikita, kutanga nezvigunwe,
Pasi petsoka, pamusoro penzwara,
Rodunduvira ropa pasina rinoerera,
Pedze vokuvaridza nedumbu,
Kwazvo, kukubhura nedanda magaro,
Musana kukwaturwa nechamboko,
Vachikudira mvura urege kufenda,
Zvino muviri vose wati nyakata,
Kuti imvura chete, hapana achaziva,
Runyanhiriri, vokusiya wave kafiramberi,
Vamai vokundundurudza kuchipatara,
Uzowana mukana wekuchenjedza,
Vamwe, kuti musadaro hazviitwi,
Kubva iro zuva ravakati vachadzoka,
Chihwerure, worara wakapfeka bhutsu,
Zvimwe vanokusvikira wakagadzirira,
Pada ukawana mukana wekutiza,
Kukurukura hunge wapotswa!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*