Chando chapisa

Kutapira here kwechivabvu,
Patinogocha takakomba choto,
Mwaka vachinja zvino chorova,
Chando-dutu kubva mabvazuva!

Charova nemutoo vakaminama,
Icho chokwidza hamba mumuti!
Makomo mbu-u nechando-chena!
Chinopona chine mudzimu vacho!

Unochiziva iwe ukachiona?
Choita zvekunaya chimvuramabwe,
Mazai echando asina mukare akamboona,
Kubuda panze ndekwevakashinga moyo!

Kutaurirwa hunyimwa gore rino,
Vakafa havana chavakaona!
Zvino chatitambisa chepamusoro,
Kusvika amai vevana vaita mapatya!

Mutanda kutorara uchibaka,
Chando zvochobvunza mutupo,
Hameno kukaita chirimo gore rino,
Totenda dzamwa dzaswera nebenzi!

Kana iyo mvura yaoma chando!
Takapedzisira kuona shuramurove rini?
Mhuka kutomirira rorova nhongonya,
Pada inganyunguduka dzikapedza nyota!

Machinjireiko oita nyika kudai?
Kudonda kwayo kuenda kure nezuva?
Chando zvochorova mwedzi mitanhatu!
Gunyana vepi tichigwagwadzwa kudai?

Chorwadza, tozviputira mabhachi,
Dunhu rose zvoromera mazhin’a,
Nzira yekurwizi yamira kupfumbira,
Vana mushambanegore vavanda.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*