Torima njera

Misha ndokutapidzwa takatarira,
Kudzingwa se’mbwa muyedu minyoro,
Yemumatoro, kukandwa kumawere,
Kwachatikobo, kwataigara nezvikara,
Kutongorarama nekukwarakwara,
Kudya maroro, hute, netsubvu,
Kuteya mbeva, mbira neshindi,
Mujumbuya nekoroni tozama mudimba,
Machamba ari paruware, mugwenga!
Musingabudi kana kagwere zvako,
Mubvumbi unoonerwa mumakore,
Uchichecheredza wako wavakarima,
Kunonayira kusineyi zvako, musango,
Nyakata, voti vazukuru vaenda kujana,
Wako wakaerera ziya wakati kwaka!
Chaunowana imheni nemabhanan’ana,
Chamupupuri chokutsvairira ruwanze,
Kana waita rombo rakanaka musiwo?
Bva wokomborerwa netumadonhwe,
Mugaba wochingiridza yekunwa,
Kurima chibage ibva wakanganwa,
Ungatoedza mapfunde nemhunga,
Kana yamera njera wotowangarara,
Kutogwinya kusakura nembezo,
Pada ungakohwa mabhakiti mairi,
Kurira kwengoma kutoramba uchirova,
Mwonzora worindira kusvika wacheka,
Tsviyo-tsviyo, ungapedzerwa neshiri,
Ukafira nhando kucheka makoto,
Kudaidzira zunde kuponda hundi,
Womerera nehasha pashaya chimuko!

One Reply to “Torima njera”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*