Nhamo rikawa zita remwana

Takamushevedza kuti Nhamoinesu,
Kana ndiyo yatitambisa nhova,
Uyu ndiReketai, tati taurai zvenyu,
Pedze pindu moti Mativengerei?

Maidei, kubva zvino Marwei?
Chamunorwa, ndizvo munogona chete,
Moshaisa mwana rufaro kunhambe,
Munyebvu uye awe kunzi Nyobvo!

Taiva navo vane mbiri kuzvikoro,
Vana Mubvaruri navana Mudapakati,
Vaichibvarura chikoro nevazukuru vacho,
Vohwanda pakati nguva yemakwikwi!

Kana ivo vanaBvunzawabaya,
Waitanga nekusvipira mutsime,
Vozobvunza kuti igomba remarara?
Ufuza, kuzungaira kwaBonderai.

Bhora pasi imi vana Dzungurembwa,
Tinoona, regai kungongwara pasina,
Tarirai umhare hwavana Shingirai,
Kufa kwemurume kubuda ura!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*