Zvanzi ndiri muroyi

Kunyangara chete kwandakaita,
Kunosekesa nembavha yakahwanda,
Kubva zvakonzeresa nyakanyaka,
Vaona maziso kutsvuka vakati kushaya hope,
Ini ndakazvarwa ndakadaro.

Iripo pasi pedara ngoro,
Pakatadza mvura kunaya dzakafa mbongoro,
Musazondishoropodzawo ndasvika ndiri murusero,
Kana kwadoka ndinotasva riri bere,
Kujegana, rinombobatawo dzangu mbudzi.

Rinogara muhozi mangu zizi?
Kungotsvagawo pokuhwanda mvura,
Kana zviremwaremwa zviri pambariro?
Hazvizivi pazviri nekushaya maziso,
Kubva nhasi zvondiunzira mutauro!

Hongu tsono ndeyangu handirambi,
Yakadonhera mubhodhoro karekare!
Akazadza mvura ndewangu mukunda,
Rekuzvidinga girazi rakauya nevazungu,
Titarisikewozve, pamwe pane angationa!

Ndakaipuwa nhaka pakaenda tete,
Mugarwe akafa nekurumwa ne’nda!
Kutogara ndakaisungirira muchiunu,
Yaindibatsira kupuruzira vangu vamuna,
Vose vari vana vakadyiva nezveusiku!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*