Handizvo zvamunoona

Wakabvira kare naro gombo,
Ukaridiridza neziya pamwe neropa!
Kana rofashamira woziva kuti warwa,
Kupinda monakidza kungogara urimo,
Majombo vakapfeka, zvombo vakapakata.

Chichenjera zvino kubirwa nevanoyeva,
Vane maziso makuru anenge nhundurwa!
Vasina kubvira vambotamba nhamo,
Kana zuva rimwe ravakarara nayo,
Semavara eshato, ndarama voshambadza.

Kwaanobva vanotomupembedzawo,
Kuti takayarutsa kwazvo nekurayira,
Kunze uko anomira-mira pane vanhu,
Veukama voti, “zvake Mwenevazvo!’’
Hekani, akazvivanira chigagairwa.

Vanoona vanoti ndiri pamudyandigere,
Mutambarakede uri kungoshongedzwa,
Kubva dzave huni mbarivari dzisisagoteki,
Kwave kungogarisana sevanhu veukama,
Iri pamutanda inosunungurwa nowakaibata.

Musha rave gonavapotera, bako re’ngwe,
Vatozvivanira munhu wekushungurudza,
Zvimwe zvipo akanyimwa asi chekuzhambatata?
Simba rakavandira kumuromo sepinjisi,
Kutosvika kana pwere dzoridza ngonono!

Mudzimu ndevekutanga vapira doro,
Kana mvura inotanga nemakore vani!
Ake mabhindauko ndeechivhundu,
Kungoerekana anyuka sehova,
Rangu parinongotsika ruwanze.

Ndorondedzera hapana achabvuma,
Yave swerokuvhiya nyama yemusoro,
Zvavanoona nezvondoreva zvasiyana,
Kwavari hapana chaakambovatadzira,
Mudzimu vabambo vake vakasimba!

Kubva vekwake vanoziva zvavo,
Hapana mombe inokorera maparekete,
Chembere nzenza yakabvira kumahumbwe,
Chikuru ndechekuti vanodya ndizvo,
Vorambondipomera mitezo inoteta.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*