Ndomupaka mupfuhwira

Weduwe-e muchauraya varume,
Nemadirativhange amunovadyisa,
Asina anoziva, zvino akodzongwa,
Mamhepo, muzita remupfuhwira!

Godobori ndawirwa nerushambwa,
Kutizwa newangu murume, ondisema,
Ndipei renyu gachichi remushonga,
Adzoke zvakare kundida moto!

Chitora nyoka idzi dziri mbiri,
Rume nehadzi, ndedzako kubva nhasi,
Kudzitsonya ndiko kudzidana,
Wodzisungirira muchiuno sechuma.

Kadende aka voita zvekuzora,
Mangwanani ega ega nemanheru,
Asi wotanga vageza kuota,
Wagara une ganda remvura.

Uyu vakakuyiva unenge dota,
Imbute inomupa chadzimira,
Apinda mumba mauro wokusha ruwanze,
Wofumotsvaira ari mambakwedza.

Kano kaguchu iropa regudo,
Unongoti tsvoti, donhwe rimwe muputugadzike,
Uwanze mukaka netsvigiri zvirege kuonekwa,
Haazofi akasvipirwa kunze kwemusha.

Sadza wobika neiyi yakageza mushakabvu,
Kana hadyana yave pedyo nekuibva,
Ita zvekutonona, wodikitira ipo pamusoro,
Womupakurira chiri chikanganwahama!

Yandakupa yakasimba, haishandi nguva imwe,
Zvikanyanya haazodi kana kukusiya,
Ongotevera mushure kwese nekutsime,
Kana wapererwa, dzoka ndikupe wekurutsisa.

Ndokuruma nzeve, tamba wakachenjera,
Itsekwende, ukawarairwa uchabatwa chete!
Pamwe audzwa neveukama, pada anyumwa,
Gava rikadimbura musungo unozviona!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*