Baya

Zvarinenge je-e nhandi, endaka!
Uchiri kuitei, wakabatwa nani?
Ini ndinokwikwidza senhengo,
Zvinoda diti rangu ndozvandinoita.

Ndinombonzi ani, haundizivi mushe!
Ndakauya pano kuzogadzira ngozi,
Handigezi, ko-o handidi hangu,
Anenge asvotwa’bva ngaabude!

Handitsvodi munhu anonhuhwa,
Sambo handipfeki, gunwe rorwadza,
Handirari neasina kuchecheudzwa,
Rako zita ndere vana, kwete ini!

Ndinotsvaira mushure watsvaira,
Ndinochisa dzakavharwa mabhatani,
Handibiki vana vasipo, ndakaneta,
Ndinomuka rakwira, saka unondidini!

Hama neshamwari ndadziudza kare,
Zvese zvepano, kuitira chamangwana,
Wakaomera, kundinyima mari yako,
Vana kudzidza nekungwara kwangu.

Hausati waenda nanhasi, wakamirirei?
Ibva pano kani, ndimire chizevezeve,
Suduruka, ndaneta kusvipa-svipa,
Pamwe ndingarega kuridza tsamwa.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*