Unorara sei

Uchiziva wakandinyepera,
Kuti uchawe neni narini,
Ese matunhu awakagura,
Ndaisawe chinhambwe bodo,
Ndichiti tsika nditsikewo,
Kurarama tesakasika nyika,
Ndaiziwei kuti zvichapera?
Kukuona kuchanetsa kudai?
Zvakatanga angori mazuva,
Panopano yave kamwe pagore,
Zvave pachena wave nezvimwe,
Zviri nani muupenyu hwako,
Zvavawe nyikamukanza kudai,
Makore zvino oita kupindana,
Kana kubata zvako runhare!
Dai ndakaziva zuva riye?
Kuti raichazowe rekupedzisira,
Ndakakutsvoda chaiyo yakakosha,
Inoiziva vani, chikanganwahama,
Bva yangova fungiramumoyo,
Handina kana wekuturira,
Zviri pasi pehana yangu,
Kwangowe kutsi kwehope,
Gara zvako vakaziva wangu,
Musi wauchaomerwa neupenyu?
Dzoka ndikupe makomborero,
Unondiona kuya kumatongo,
Pamutohwe pandakaradzikwa.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*