Muto wederere

Inhamo here yakadai,
Inoita tidye zvakadai,
Muriwo rudzii wakadai,
Unenge madzihwa kudai!

Remusango nguva yezhizha,
Kana remapindu nyatando,
Madomasi pamwe nehanyanisi,
Madirativhange, tosanganisa.

Yavira hadyana tozvidira,
Munyu zvese nembiriso,
Pasina, kubva toisa dota,
Tabvuvira zvino tokurungira.

Tabura chiona benyumundiro,
kuseva, kunwa pahuro rotsvedzerera,
Tsima ine bvute yotambura,
Pasina nguva yonyangarika!

Wenhafu isu tazvimbirwa,
Muromo wave pfimbi yemashoko,
Zvorema kusimuka patigere,
Tokotsira parukukwe takatandavara.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*