Varidzi vemwana

Chandakatadzira musiki chikukutu,
Urombo hwemukwambo chikwambo!
Hunotoda kubika doro zvese nesvikiro,
Dzinza rose kushaya akaenda kuchikoro,
Veukama voti regai mwana aroorwe.

Mati moyo muti unomera paunoda?
Kwete makore atiri kurarama ano,
Jaya rangu rakandigura kunorira,
Kuuya nenhenha, ikasaba inoroya,
Iko kuonda mukati haarwari?

Zvinombotiunzirawo vana vedu,
Kana usina mari jekawozve pameso!
Shata divi rimwe ritambe nepwere,
Todii, ngaauye zvake ateme ugariri,
Wada chemungozva wobata mwana.

Zviuya havivanani chokwadi,
Wangu akazviwanira guvhudende,
Butwa zvaro rakazvigarira,
Hunyope ingwarati kudya irere,
Mapudzi anovira kusina hari.

Vevamwe vachifamba nemichovha,
Shangu yemukwasha yatsveyama,
Iye munhu ndeasingagari pasi,
Hongu zvazvo murombo munhu,
Asi wangu haaende panhamo yakadai!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*