Zvarwadza imi

Iye wamunoti ndewe mapoto,
Nyangwe zvake achichachura poto,
Vane gondo voti chipuka, heto,
Mukadzi haarambirwi kuroya, zviroto,
Kutaura kuno totoronga muchato,

Nhaka naye ndobvira kuganza,
Kuti mha-a, wangu moyo wofanza,
Dakara usiku kubasa anoseenza,
Zvonzi hayi, he-e he-e, anowanza,
Zvorwadza imi munoti inzenza!

Ruzhinji nesu’bva ichave hondo,
Mwaka uno muchaona ndondo,
Kwake kumusha toenda nesvondo,
Kunosiya chuma, chumi nepondo,
Pedze mhembera, sadza nezondo!

Uchida zvepano kuchidzira ubake,
Abayiwa nazvo ngaasuduruke,
Asvotwa kubva zvino ngaaburuke,
Agara payangu nzvimbo asimuke,
Kana akarara muzunze amuke.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*