Posted on: October 13, 2018 Posted by: admin Comments: 0

Musarera dambudzo,
Rinodzoka rokutambudzai,
Ragara iro pachigaro,
Imi moita varanda!

Ritsvagirei nyaya,
Musangano uriparadze,
Musavarairwe naro,
Dambudzo richakutongai.

Kunyanya imi wechidiki,
Vasingazivi chinonzi hondo,
Zvigadzirisei iye zvino,
Ripere pachine nguva!

Edzai napose pamunogona,
Kurizviringidza-zviringidza,
Pada moripa muchetura,
Zvimwe ringaita kafiramberi!

Zvino ravane mwedzi misere,
Rikaera radzika midzi,
Kuribvisa ichava mhirizhonga,
Nhamo yanamira pane imwe!

Leave a Comment