Mutsetse

Dzidza kumira mumutsetse zvakanaka,
Ngaururame urege kunzvenganzvenga,
Iwe vanonoka enda uko kumashure,
Dai waida kumira nasahwira wamukira,
Nhasi uchawa wekupedzisira kubatsirwa.

Ndaizivei kuti ndiri kudzidza hupenyu,
Mutsetse, chaicho chidzidzo chamandiriri,
Kupfuura svomho naidzo nyaudzosingwi,
Nhasi ndivo magariro muneyechisikirwa,
Kari kai zvako, kutomira mumutsetse!

Vekutsvaga mari mubhangi vakaroyiwa,
Kutorara uripo kuti umukire mberi,
Svondo rose, ikwane yekubhadhara imba,
Waita rombo rakanaka unowana mashereni,
Hamuchina mubhangi yave mumasutukezi.

Wekuzvitupa mutsetse ndivo une nharo,
Hauzivikanwi kwaunotangira nekuperera,
Ringori gonyo kupera hapana pakarurama,
Munonyengana mukadanana imo mumutsetse,
Monetsana nekurambana musati maona mberi.

Tasikirwa moto muziso,
Muchoto toisirwa nyoro dzinotosvora,
Pedze voti tisarudzei tiise dzinobaka rimi,
Mangwana chaiye zvose izvi zvinochinja,
Mutsetse ukava chiitiko chanezuro.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*