Zvevasikana zvinochemedza

Vasikana here, havabviri?
Mugwaro rekutanga ondipfimba,
Iyeni, imomo muna Gogogoi!
Ndaipenya semheni nekutsvinda,
Vezera rangu vachadonha madzihwa,
Akati nditengere keza tiende tose,
Gogi ndozotenga kana ndosevenza,
Asi pakazoti gwaro rechishanu?
Ondiramba achida rimwe nyunyu,
Raiwe neshangu chaidzo, kwete hwasho,
Nesutukezi hombe yemabhuku,
Zvese nemurodzo wepenzura,
Waaipota achipa wangu mudikani,
Rondidzvokora, kunditarisira svoto,
Bva izvi hazviendi chinyararire,
Haungoregi shiri ichibhururuka?
Nechinya, ini ndinofa ndagurukuta,
Pabhureki ndikati huya tichayane,
Zamu ramai wako iri, iro revekwangu,
Neukasha, rake ndokuriti vhanzu,
Kunyangwe zvazvo chaiwe chivhindikiti,
Chairatidza kudya zvakapfurikidza,
Chaisandikunda nefuro randaipupuma,
Ndakamubvumburudza imo muvhu,
Kusvika iye nezvaakapfeka rave jiho,
Akati kwaku, pakaita kamukana,
Ndiye tande, chitsoka ndibereke!
Ndikati rega ndichamubata zvangu,
Kupota kwezuva panopera chikoro,
Ndicho chaiwe chokwadi, sendarotswa,
Asika ndakamuonera muhofisi,
Ndashevedzwa nemukuru vechikoro,
Ndokanuka kuona vangu vabereki,
Ndichiudzwa kuti chikoro chapera,
Kusvika kumba kubva ndorikitwa,
Ndiyoyo ngwavaira zuva rimwe,
Kurambwa, kurohwa nekudzingwa,
Zvevasikana izvi zvinochemedza!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*