Muka upenye

Waramba mbanda kubva haurapiki,
Chirega tigokuyambira mwachewe,
Kugarika hakuzvikoki seurombo,
Kutomira-mira, kusunga dzisimbe,
Mhuka yeshure inyama yeshumba.

Imwe nhamo inokupa chimene,
Chezizi, parafamba zvanzi muroyi,
Kana ganda harichadairi mvura,
Irwo ruvanze rwausingachekereri,
Zvonzi nepwere panogara bhinya!

Badza guru rinopiwa musakuri,
Kuripa nyope inofuga naro gudza,
Anokaka anoonekwa nemavanga,
Iwo mutanda wakasiya mbare wani,
Chimboedza, urege kusiya nyore.

Nenzara dumbu richikwakwata,
Iwe mwene kutorara wakapfunya,
Siya vanotaura, vachanyarara avo,
Vanoziva zvavaona nezvavakaita,
Zviri mupfungwa zviri muninga!

Chikuni chinoda mukichidziri,
Chemumuti ndecheagona kukwira,
Kusashinga vamwe vachakushandisa,
Kukuita tsvimbo yehorikotyo,
Wokandwa kumazivandadzoka!

Haarerwi nebonde, simba mukaka,
Chimuka, kubata jongwe muromo,
Upinde mumusakasaka unozvionera,
Chitende chinorema ndechine mhodzi,
Mapako anoera ndeane ndarama!

Hona isu vamwe todya zveziya,
Nhasi zvino torara takatandavara,
Tokaka dumbu, kusvika tazvimbirwa,
Kudya rinopisa, chashata bedzi isvoto,
Dambudziko rawe rekurwa nesasa.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*