Maiguru

Zvataurwa naMagurete ndizvo!
Kutanga, kupedzisa nekupendera,
Muridzi vemurume ndimaiguru!
Muridzi vemuchato, muridzi wemba,
Vane vana vanozikanwa kusvondo,
Nyangwe vakadini, kana kushereketa,
Chero vakati handibiki, ndakaneta!

Zvanzi amaiguru havarambwi!
Chedu vamwe kubikiswa mapoto,
Kukamba kemupanda mumwe, kuseri,
Kabisira, kungoti hongu zvisina nharo,
Punha, zvangu ini ndezvekunyengerera,
Ndizvo, pwere dzione rufaro nemaguta,
Shangu, hembe nemabhuku echikoro.

Kunze uko, vedu vana havana bambo,
Kutotsimirira, tsika dzirege kurasika,
Kurara vakasvinura, hope dzechipembere,
Kutoshinga pachako, kufa hakuurayi!
Chitekenyani vanotozonotora vayaruka,
Panhamo, vozongoerekana vanyuka sehowa,
Baba vamuka vakafa pavati bhii nehope!

Mhirizhonga iye muridzi venyaya aenda!
Maiguru voenderera zvisina muganhu,
“Imba ndeyangu, mudyandigere ndevangu!”
Ini ndiri chii zvangu panyama yehuku?
Dai vana vati kurei, pamwe vaimbomiramira,
Izwi ndiro rimwe chete, kungoti “evoni!”
Muridzi wemusha ndiVahosi!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*