Ndewako kudini

Ndewangu!
Kwandakamuwana kachana,
Kunosvika madhongi ave nenyanga,
Gore rose ndichimupfimba,
Gwevedzi kupedza rave neman’a!

Nduma takapanana kwatete,
Munyai nasamukuru ndakatuma,
Handina chikwereti natezvara,
Ndakabhadhara ano mazimari,
Nedzinotsika, danga rose!

Ndewako kudini?
Kuri kudini kwacho?
Nekuti zvaita sei?
Uri musiki iwe?
Tibvire kumhepo!

Hauna kutenga mukadzi,
Pfuma kutsvaga ukama,
Kusunganidza dzenyu mhuri,
Kutenda vabereki vemwana,
Vakakuyarutsira chidochemoyo!

Wakabhadhara nguva,
Ita bedzi ijana rako,
Rekufuga naye gumbeze,
Zvikomba ndezvemusango,
Zvisina kubvisa bvunzirai’no!

Chawaita kubatiswa,
Uri muchengeti wepwere,
Vose vana nevasiri vako,
Kuriritira nekudzidzisa,
Kusvika iye ati zvakwana.

Chiona zvino mashiripiti,
Kese kaunoda iye afuratira,
Wongotevera semucheri wegurwe,
Mudimbudziri anorasa mwena,
Yadeuka, chawakadya chamuka!

Ko, haachadi hake!
Iwe nehasha woti ndimurambe,
Zvakare wobhadhara gupuro,
Kugura badza, chimhingamupini,
Rangarira roora harina chenji!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*