Hazvindishamisi

Ndakagara zvangu ndazviona,
Kumiramira, vaiwe muchekadzafa,
Nemaziso kuti uri benyumundiro,
Kaendwa haudzoki, musiyadzasukwa,
Mavara kutaima aiwa eshato.

Bva rwagara rudo ibofu,
Poshi, piri, inga vave vashanu,
Kamusarapamba ndakakuzvarira,
Kubva vachatamba mahumbwe,
Haunyariwo here zvino vayaruka?

Shiri ine muririre wayo hairegi!
Ndaingoti kuda zvichashanduka,
Pada nguva, makore ndimufundisi,
Sorojena, zvino wachena nendebvu,
Ndichingoti wega uchaonawo.

Datya hariisvi mumvura inopisa,
Rinotomuka chiriporipotyo rotiza,
Rinokandwa mune inotonhorera,
Yodziiswa mbidyana-mbidyana,
Nenguva, nyorenyore woribika.

Pamwe zvaisvika pakurwadza,
Ndichiti makata kushura materu,
Hakuna rima ringasviba zvakadai?
Chiedza chave kuda kusvika chete!
Zvorokwata rave pedyo nekuibva.

Zvino ndaneta ndongokutarisawo,
Chauya masikati charamba ndima,
Chauya usiku charamba hope,
Madiro, chiita zvako zvaunoda,
Hapana kana zvichandishamisa!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*