Mabasa avapositori

Ndiye Johwani naSafira,
Vakanzwa kutinhira nechekure,
Zvekubhabhatidzana pasi tsve-e,
Vobva Jerusarema kuenda Canaan,
Kumhanyira kwavanzwa Peturo!

Vorondedzera rwavo rwedo,
Rwurefu rwavakafamba netsoka,
Vachibvunza kune vese vavaona,
Kuti zvimwe vangavana shomana,
Inosimudza kwayafira ngoroyemoto!

Muzvinachitoro Judha akati kwete,
Takuranai nayo isvike pano,
Mubairo vezvisakarurama!
Hamuna kuteerera vanaMedia?
Hatitengeseri vane zvigubhu!

Peturo anetsa uyu!
Oshevedzerwa nepanhepenyuro!
Zvino sirivha nendarama hatina,
Kutosimbisa zvakare tsoka,
Asi hatineti kupembedza madzishe!

Tendeukai! Mudzoke kwamabva!
Tsvagai marata murove sando,
Kugadzira migomo nemadhishi,
Mozonotengesera zvenyu Ijipita,
Imomo makare muHighfields!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*