Rega ndikurume nzeve

Huya ndikuyambire mwanangu,
Chirega kuti tasa pamberi pavakuru,
Gara pasi, zvichati torei nguva,
Handiti wagara wanga wadya?

Nyika yaugere yakanaka kwazvo,
Yaunoshora uchida dzevamwe,
Pameso pako ndeyemanga-manga,
Uchaishuwira mukore unotevera,
Chifara nayo zvinogutsa hana.

Imo mumamana mauchapinda,
Usanyara kuvaratidza dzako nyora,
Haungatizizve mubvuri vako,
Mavanga anoratidza kwaunobva,
Kuti uone kuziva kwawakananga,
Kuda vamwe hunge wazvida pachako!

Dzidza kudya zvakadzikama,
Zvine mwero, kwete kuzvimbirwa,
Zvishoma, usati ndazvionerei,
Semuchero wegudo unodyirwa kusvotwa,
Zvinoita hama dzamai vako pano!
Mudye zvamunorima nemaoko enyu,
Zvinobva kure hazvina anoziva,
Wozvipereka negapu remvura,
Utende nyakubika nanyakurima!

Uchawa nesimba zhinji pakuyaruka,
Chiwa chiremera chavari kure,
Unake divi rinotamba neve pedyo,
Uwe muchengeti wemazera ose,
Musimboti wevaduku, vokutarisira,
Usakanganwa kuremekedza vakuru,
Paunoti dzvutu, kupedza nyota,
Ita rimwe uchidira muvhu,
Kupembedza vadzimu, vagokutarira.

Paunozoti kure, wotsvaga shamwari,
Yako yepamwoyo, ine ndoro chena,
Rangarira hapana akarurama zvose,
Mumwe nemumwe ane zvaanotadza,
Asika mukadzi haarohwi mwanangu,
Imbabvu yako, ichengetedze nerudo!

Peta muswe paruzhinji, kuzvininipisa,
Kwete kugara mutonono pane vanyarikani,
Kungobweteketa sedzisimo pane vamwe,
Hupenyu imhindupindu zvaunoona,
Irombe richaenda pakudzoka iduma,
Usaseka vamwe kana uchinge wayambuka,
Hukuru hunoonekwa nekusimudzira vamwe.

One Reply to “Rega ndikurume nzeve”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*